Mudenhe rino mune ruzivo rwakawanda nemashoko akawanda. Zvinotevera
izvi muenzaniso wezvimwe zvinowanikwa pano paWikipidhiya. Vanhu vese
vanemukanwa wekusvika pano vanokumbirwa kubatsira mukunyora uyewo
mukukwenenzvera kuti zvinyorwa zvese zvinowanikwa pano zvive zvakanaka
kwazvo uye zvichimirira chokwadi yemamiriro ezvinhu pasirino.
Musha uno ndewedu vatauri veChivanhu, mutauro we ChiShona, muno muWikipedhiya.
Wikipedhiya chinyogwa chemudandira chinounganidzwa ungwaru, ruzivo
nohunyanzvi hwezvikamu zvese zveraramo remarudzi osezvayo erino
pasi. Zvakanaka zvakadzama kwazvo kuti gapu rese iri reungwaru, ruzivo
nohunyanzvi rive rinonyogwa mururimi gwaamai. Basa iri ngatiritange
nhasi tigorisiirawo vana vedu navana vawoo, zvichingoenda, zienda
nokuenda.
Mutauro wedu isu vanhu hauna kugara uchinzi ChiShona kwete. Muchena
akanga achinzi Clement Doke ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti
ChiShona mugore ra1931. Mutauro wedu unonzi ChiVanhu.
Parizvino, muno muWikipedhiya mune zvinyogwa zvinoita 314 zvakanyogwa
mururimi gweChiShona. Munokokwa mese, ani naani zvake, kuti muwedzere
zvinyogwa izvi. Vanyori, vadzidzisi nevadzidzi veChiShona muzvikoro
zvikuru zvedzidzo munokokwa kuti mutitungamirire pabasa
iri. Tinodaidza kunyanya zvikuru sei avo vadzidzi nevadzidzisi vari
muboka rezvidzidzo zveChiShona paYunivhesiti yeZimbabwe uyewo avo vese
vakapedza zvidzidzo zveChiShona pachikoro chikuru ichi.
Dzimwe Nzvimbo Mudandira Kunowanikwa Ruzivo Rwemutauro weChiShona
